27 Nokuti kwakanyorwa kuchinzi:“Fara iwe mukadzi asingabereki,asingabereki vana;iwe usingarwadziwi nokubereka;nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouyo ano murume.”
28 Zvino imi hama, muri vana vechipikirwa saIsaka.
29 Panguva iyoyo mwanakomana akazvarwa nenzira yenyama akatambudza mwanakomana akaberekwa nesimba roMweya. Zvakadaro nanhasi.
30 Asi Rugwaro runoti kudiniko? “Dzinga murandakadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womurandakadzi haangatongogovani nhaka nomwanakomana womukadzi akasununguka.”
31 Naizvozvo, hama, isu hatizi vana vomurandakadzi, asi vomukadzi akasununguka.