16 “Iyi ndiyo sungano yandichaita navo mushure menguva iyoyo,ndizvo zvinotaura Ishe.Ndichaisa mirayiro yangu mumwoyo yavo,uye ndichainyora mundangariro dzavo.”
17 Ipapo anotizve:“Zvivi zvavo nokudarika kwavohandichatongozvirangaririzve.”
18 Zvino kana izvi zvaregererwa, hakuchisina chimwezve chibayiro chezvivi.
19 Naizvozvo, hama, zvatinotsunga kuti tipinde paNzvimbo Tsvene neropa raJesu,
20 nenzira itsva uye ino upenyu yatakazarurirwa kubudikidza nechidzitiro chinova muviri wake,
21 uye sezvo tino muprista mukuru pamusoro pemba yaMwari,
22 ngatiswederei kuna Mwari nomwoyo wechokwadi nokutendeka kwakasimba kwazvo, nemwoyo yakasaswa kuti tinatswe kubva pahana yakaipa uye miviri yedu yakashambwa nemvura yakachena.