2 Dai zvaigona kudaro, zvingadai zvisina kupera kubayirwa here?
3 Nokuti vanonamata vangadai vakanatswa kamwe chete zvikapera, uye vangadai vasina kuzonzwazve mhosva yezvivi zvavo gore roga roga,
4 nokuti hazvigoni kuti ropa renzombe nerembudzi ribvise zvivi.
5 Naizvozvo Kristu, paakauya munyika muno, akati:“Chibayiro nechipo hamuna kuzvifarira,asi muviri wamakandigadzirira;
6 zvibayiro zvinopiswa nezvibayiro zvezvivihamuna kufadzwa nazvo.
7 Ipapo ini ndakati, ‘Ndiri pano,mubhuku rakapetwa makanyorwa nezvangu,ndauya kuti ndiite kuda kwenyu, imi Mwari.’ ”
8 Pakutanga akati, “Zvibayiro nezvipiriso, zvipiriso zvinopiswa, nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvida, kana kufadzwa nazvo” (kunyange zvazvo murayiro waida kuti zviitwe).