3 Cherechedzai iye akatsunga pakupikiswa kwakadai navatadzi, kuti imi murege kuneta nokupera simba mumwoyo menyu.
4 Mukurwa kwenyu nechivi, hamusati madzivisa kusvikira pakubuda ropa.
5 Uye makanganwa shoko rokukurudzira rinotaura kwamuri savanakomana richiti:“Mwanakomana wangu, usazvidza kuranga kwaShe,usaora mwoyo kana uchirangwa naye,
6 nokuti Ishe anoranga uyo waanoda,uye anorova munhu wose waanogamuchira somwanakomana.”
7 Tsungai pamatambudziko sokurangwa; Mwari anokubatai imi savanakomana. Nokuti ndoupiko mwanakomana asingarangwi nababa vake?
8 Kana musingarangwi (uye vamwe vose vachirangwa), naizvozvo muri vana vasiri chaivo uye hamuzi vanakomana vechokwadi.
9 Uyezve, isu tose tina madzibaba edu epanyama anotiranga uye tinovakudza nokuda kwaizvozvo. Ko, hatingazviisi zvikuru pasi paBaba vemweya yedu uye tigororama!