2 Nokuti kana shoko rakataurwa navatumwa rakanga rakasimba, uye kana kudarika nokusateerera kwose kwakapiwa chirango chakafanira,
3 ko, isu tichapunyuka sei kana tisina hanya noruponeso rwakakura zvakadai? Ruponeso urwu rwakatanga kuziviswa naIshe, rwakasimbiswa kwatiri naavo vakamunzwa.
4 Mwariwo akarupupurira nezviratidzo nezvishamiso namabasa esimba akasiyana-siyana, uye nezvipo zvoMweya Mutsvene nokuda kwake.
5 Hapazi pasi pavatumwa pakaiswa nyika inouya, yatiri kutaura nezvayo.
6 Asi mumwe akapupura kwazvo pane imwe nzvimbo achiti:“Ko, munhu chii zvamunomufunga,kana mwanakomana womunhu zvamune hanya naye?
7 Makamuita muduku zvishoma kuvatumwa;makamushongedza korona yokubwinya nokukudzwa
8 uye mukaisa zvinhu zvose pasi petsoka dzake.”Pakuisa zvinhu zvose pasi pake, Mwari haana kusiya chinhu chimwe chete chisina kuiswa pasi pake. Asi panguva ino hationi zvinhu zvose zvakaiswa pasi pake.