4 Nokuti imba imwe neimwe inovakwa nomunhu, asi Mwari ndiye muvaki wezvinhu zvose.
5 Mozisi akanga akatendeka somuranda muimba yose yaMwari, achipupura pamusoro pezvaizotaurwa munguva yaizotevera.
6 Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu uye netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.
7 Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti:“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,
8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira,panguva yokuedzwa murenje,
9 mandakaedzwa namadzibaba enyuuye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.
10 Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo,uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka,havana kuziva nzira dzangu.’