6 Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu uye netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo.
7 Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti:“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,
8 musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira,panguva yokuedzwa murenje,
9 mandakaedzwa namadzibaba enyuuye kwamakore makumi mana vakaona zvandakaita.
10 Ndokusaka ndakatsamwira rudzi irworwo,uye ndikati, ‘Mwoyo yavo inogara ichitsauka,havana kuziva nzira dzangu.’
11 Naizvozvo ndakapika mhiko pakutsamwa kwangu ndikati,‘Havangazopindi pazororo rangu.’ ”
12 Hama dzangu, chenjererai kuti pakati penyu pasava nomunhu ano mwoyo usingatendi, une zvivi, unotsauka kubva kuna Mwari mupenyu.