1 Naizvozvo, sezvo chipikirwa chokupinda muzororo rake chichiripo, ngatichenjerei kuti kurege kuva nomumwe wenyu angatadza kusvikako.
2 Nokuti nesuwo takanzwa vhangeri richiparidzwa kwatiri, saivo; asi shoko ravakanzwa harina kuvabatsira, nokuti ivo vakarinzwa havana kuribatanidza nokutenda.
3 Zvino isu tinotenda tinopinda muzororo iroro, sezvakareva Mwari achiti:“Naizvozvo ndakapika mhiko mukutsamwa kwangu, kuti,‘Havazopindi muzororo rangu.’ ”Uye kunyange zvakadaro basa rake akapedza kubva pakusikwa kwenyika.
4 Nokuti pane imwe nzvimbo akataura mashoko aya pamusoro pezuva rechinomwe. “Zvino pazuva rechinomwe Mwari akazorora kubva pabasa rake rose.”
5 Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”
6 Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo.
7 Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi:“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,musaomesa mwoyo yenyu.”