5 Uyezve mundima iri pamusoro anoti, “Havazopindi muzororo rangu.”
6 Ichokwadi kuti vamwe vachapinda muzororo iroro, uye vaya vakatanga kuparidzirwa vhangeri kare havana kupinda, nokuda kwokusateerera kwavo.
7 Naizvozvo Mwari akaisazve rimwe zuva rinonzi Nhasi, paakataura kare kubudikidza naDhavhidhi, sezvazvakataurwa pakutanga zvichinzi:“Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake,musaomesa mwoyo yenyu.”
8 Nokuti dai Joshua akanga avapa zororo, Mwari angadai asina kuzotaurazve nezverimwe zuva.
9 Naizvozvo richiripo, zororo reSabata ravanhu vaMwari;
10 nokuti ani naani anopinda muzororo raMwari anozororawo pabasa rake, sezvakaita Mwari pane rake.
11 Naizvozvo ngatishingairirei kuti tipinde muzororo iro, kuitira kuti pashayikwe achawa nokuda kwokutevera muenzaniso wavo wokusateerera.