1 Muprista mukuru mumwe nomumwe anosarudzwa kubva pakati pavanhu uye anogadzwa kuti avamiririre pazvinhu zvaMwari, kuti ape zvipo nezvibayiro pamusoro pezvivi.
2 Anogona kunzwira tsitsi vaya vasingazivi uye navaya vari kutsauka, sezvo iye pachake ari pasi poutera.
3 Ndokusaka achifanira kupa zvibayiro zvezvivi zvake, pamwe chete nezvezvivi zvavanhu.
4 Hapana munhu anozvipa kukudzwa uku; anofanira kudanwa naMwari, sezvakaitwa Aroni.
5 Saizvozvowo Kristu haana kuzvitorera iye kubwinya kwokuva muprista mukuru. Asi Mwari akati kwaari:“Ndiwe Mwanakomana wangu;nhasi ndava baba vako.”
6 Uye akati pane imwe nzvimbo,“Ndiwe muprista nokusingaperi,worudzi rwaMerikizedheki.”
7 Pamazuva oupenyu hwaJesu panyika, akauya kuna iye akanga achigona kumurwira parufu neminyengetero nemikumbiro, achichema nokuchema kukuru nemisodzi, uye akanzwika nokuda kwokutya kwake Mwari.