3 Akaropafadzwa uyo anoverenga mashoko ouprofita uhu, uye vakaropafadzwa avo vanohunzwa uye vagochengeta pamwoyo yavo zvakanyorwa imomo, nokuti nguva yava pedyo.
4 Johani,Kukereke nomwe dziri mudunhu reEzhia:Nyasha norugare ngazvive nemi zvinobva kuna iye aripo, uye akanga aripo, naiye achazouya, nokumweya minomwe iri pamberi pechigaro chake choushe,
5 nokuna Jesu Kristu, iye chapupu chakatendeka, dangwe kubva kuvakafa, nomutongi wamadzimambo enyika.Kuna iye anotida uye akatisunungura kubva kuzvivi zvedu neropa rake,
6 uye akatiita ushe nouprista kuti tishumire Mwari wake naBaba, vake ngaave nokubwinya nesimba nokusingaperi-peri! Ameni.
7 Tarirai, ari kuuya namakore,uye meso ose achamuona,kunyange naivo vakamubaya;uye marudzi ose enyika achachema nokuda kwake.Saka zvichaita saizvozvo! Ameni.
8 “Ndini Arifa naOmega,” ndizvo zvinotaura Ishe Mwari, “iye aripo, akanga aripo, uye achazouya, Wamasimba Ose.”
9 Ini Johani, hama yenyu nomufambidzani wenyu mumatambudziko, muumambo, nomukutsungirira nomwoyo murefu wedu muna Jesu, ndakanga ndiri pachitsuwa chePatimosi nokuda kweshoko raMwari uye nouchapupu hwaJesu.