15 Mutumwa wechinomwe akaridza hwamanda yake, uye kudenga kukava namanzwi makuru aiti:“Umambo hwenyika hwava umambo waIshe wedu naKristu wake,uye achatonga nokusingaperi-peri.”
16 Uye vakuru makumi maviri navana, vakanga vagere pazvigaro zvavo zvoushe pamberi paMwari, vakawira pasi nezviso zvavo uye vakanamata Mwari,
17 vachiti:“Tinokuvongai imi,Ishe Mwari Wamasimba Ose,Iye aripo uye akanga aripo,nokuti matora simba renyu guru uye matanga kutonga.
18 Ndudzi dzakatsamwa;uye hasha dzenyu dzauya.Nguva yokutonga vakafa yasvika,neyokupa varanda venyu vaprofita mubayiro,uye navatsvene venyu naavo vanotya zita renyu,zvose vaduku navakuru,uye neyokuparadza avo vanoparadza nyika.”
19 Ipapo temberi yaMwari iri kudenga yakazarurwa, uye mukati metemberi yake makaonekwa areka yake yesungano. Uye ipapo kwakava nokupenya kwemheni, muroromero, maungira omutinhiro, kudengenyeka nemvura yechimvuramabwe yakawanda.