1 Ipapo ndakanzwa inzwi guru richibva mutemberi richiti: kuvatumwa vanomwe, “Endai, mundodurura ndiro nomwe dzehasha dzaMwari panyika.”
2 Mutumwa wokutanga akaenda akandodurura ndiro yake panyika, uye maronda akaipa, anorwadza akabuda muvanhu vakanga vano mucherechedzo wechikara uye vachinamata mufananidzo wacho.
3 Mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa, uye rikashanduka rikava ropa seromunhu akafa, uye zvipenyu zvose zvomugungwa zvikafa.
4 Mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, uye zvikava ropa.
5 Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti:“Imi makarurama mukutonga uku,imi muripo uye makanga muripo,Mutsvene Oga, nokuti makatonga saizvozvo;
6 nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita,uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.”
7 Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti:“Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Osekutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.”