3 Mutumwa wechipiri akadurura ndiro yake pagungwa, uye rikashanduka rikava ropa seromunhu akafa, uye zvipenyu zvose zvomugungwa zvikafa.
4 Mutumwa wechitatu akadurura ndiro yake panzizi nomumatsime emvura, uye zvikava ropa.
5 Ipapo ndakanzwa mutumwa aichengeta mvura achiti:“Imi makarurama mukutonga uku,imi muripo uye makanga muripo,Mutsvene Oga, nokuti makatonga saizvozvo;
6 nokuti vakateura ropa ravatsvene venyu navaprofita,uye mavapa ropa kuti vanwe sezvavakafanirwa nazvo.”
7 Uye ndakanzwa aritari ichipindura ichiti:“Hongu, Ishe Mwari Wamasimba Osekutonga kwenyu kwakarurama uye ndokwechokwadi.”
8 Mutumwa wechina akadurura ndiro yake pazuva, uye zuva rikapiwa simba rokupisa vanhu nomoto.
9 Vakapiswa nokupisa kukuru uye vakatuka zita raMwari, iye akanga ane simba pamusoro pamatambudziko aya, asi vakaramba kutendeuka kuti vamukudze.