1 Shure kwaizvozvi, ndakanzwa inzwi kudenga rakaita somutinhiro wavazhinji zhinji richiti:“Hareruya!Ruponeso nokubwinya nesimba ndezvaMwari wedu,
2 nokuti kutonga kwake ndokwechokwadi uye kwakarurama.Akatonga chifeve chikuru chakaodza nyika noupombwe hwacho.Akatsiva paari ropa ravaranda vake.”
3 Uyezve vakati:“Hareruya!Utsi hunobuda maari hunokwira nokusingaperi-peri.”
4 Vakuru makumi maviri navana nezvisikwa zvipenyu zvina vakawira pasi uye vakanamata Mwari, akanga agere pachigaro choushe. Uye vakadanidzira vachiti:“Ameni, Hareruya!”