19 Avo vandinoda ndinovatsiura uye ndinovaranga. Saka shingaira, uye utendeuke.
20 Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu uye akazarura musuo, ndichapinda uye ndigodya naye, uye iye neni.
21 Kuno uyo anokunda, ndichamutendera kuti agare neni pachigaro changu choushe, sezvandakakunda uye ndikagara naBaba vangu pachigaro chavo choushe.
22 Ane nzeve dzokunzwa, ngaanzwe zvinoreva Mweya kukereke.”