37 Haiwa Jehovha, ndipindurei, ndipindurei, kuitira kuti vanhu ava vazive kuti imi, Jehovha, ndimi Mwari, uye kuti muri kudzora mwoyo yavo zvakare.”
38 Ipapo moto waJehovha wakaburuka ukapisa chibayiro, nehuni namabwe nevhu, ukananzva mvura yose yaiva mumugero.
39 Vanhu vose pavakaona izvi, vakawira pasi nezviso zvavo, vakadanidzira vachiti, “Jehovha ndiye Mwari! Jehovha ndiye Mwari!”
40 Ipapo Eria akavarayira akati, “Batai vaprofita vaBhaari. Musarega kana mumwe chete achipunyuka!” Vakavabata, uye Eria akaita kuti vaendeswe zasi kuMupata weKishoni vakandourayirwako.
41 Uye Eria akati kuna Ahabhu, “Chienda undodya uye unwe, nokuti kune kutinhira kwemvura zhinji.”
42 Saka Ahabhu akaenda kundodya nokunwa, asi Eria akakwira pamusoro pegomo reKarimeri, akakotamira pasi akaisa chiso chake pakati pamabvi ake.
43 Akaudza muranda wake kuti, “Enda undotarisa kwakadziva kugungwa.” Akakwira akandotarisa.Akati, “Hakuna chiriko uku.”Eria akati, “Dzokerazve,” kanomwe.