13 Zvino Adhoniya, mwanakomana waHagiti, akaenda kuna Bhatishebha, mai vaSoromoni.Bhatishebha akamubvunza akati, “Ko, wauya norugare here?”Iye akapindura akati, “Hongu, norugare.”
14 Ipapo akaenderera mberi akati, “Ndine zvimwe zvandinoda kutaura kwamuri.”Iyewo akapindura akati, “Taura zvako.”
15 Iye akati, “Sezvamunoziva, umambo hwaiva hwangu. VaIsraeri vose vaitarisira kuti ndichatonga. Asi zvinhu zvakashanduka, umambo hukaenda kumunun'una wangu; nokuti hwakava hwake nokuda kwaJehovha.
16 Asi zvino ndinokumbira chinhu chimwe chete kwamuri, musandirambira.”Iye akati kwaari, “Taura zvako.”
17 Saka akaenderera mberi akati, “Ndapota, kumbirai Mambo Soromoni, haambokurambirai, kuti andipe Abhishagi muShunami, ave mukadzi wangu.”
18 Bhatishebha akapindura akati, “Zvakanaka, ndichandosuma nyaya iyi kuna mambo.”
19 Naizvozvo Bhatishebha akaenda kuna Mambo Soromoni kundosuma nyaya yaAdhoniya. Mambo akasimuka akasangana naye, akakotamira mai vake, akagara pachigaro chake choushe. Akarayira kuti chigaro choushe chiunzirwe mai vamambo, ivo vakagara kurutivi rwake rworudyi.