38 Ipapo akaita madhishi endarira gumi, rimwe nerimwe richipinda mabhati makumi manau uye rakafara makubhiti mana, dhishi rimwe chete richizoiswa patafura imwe neimwe yetafura gumi.
39 Akaisa tafura shanu zasi kwetemberi, shanu kumusoro. Akaisa Gungwa kurutivi rwezasi, zasi kwakadziva kumabvazuva kwetemberi.
40 Hiramu akaitawo poto, foshoro namadhishi.Saka Hiramu akapedza basa rose raakaitira Mambo Soromoni mutemberi yaJehovha:
41 mbiru mbiri;misoro miviri yedenderedzwa pamusoro pembiru;mimbure miviri yakarukwa yaishongedza misoro miviri yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru;
42 matamba mazana mana emimbure miviri (mitsara miviri yamatamba pamumbure mumwe chete, kuti ishongedze misoro yedenderedzwa yaiva pamusoro pembiru);
43 tafura gumi namadhishi adzo gumi;
44 Gungwa nehando gumi nembiri pasi paro;