5 Imwe shongwe yaiva nechokumusoro kwakadziva kuMikimashi, imwe iri zasi kwakadziva kuGebha.
6 Jonatani akati kujaya raitakura zvombo zvake zvokurwa, “Uya tiyambuke tiende kumusasa wavasina kudzingiswa avo. Zvichida Jehovha achatirwira. Hapana chinodzivisa Jehovha kuti aponese, navakawanda kana navashoma.”
7 Mutakuri wezvombo akati, “Itai zvose zvamafunga. Endai mberi; ndinemi pamweya napamwoyo.”
8 Jonatani akati, “Uya tiyambuke zvino tinange kuvarume ava uye tigorega vatione.
9 Kana vakati kwatiri, ‘Mirai ipapo kusvikira tauya kwamuri,’ ticharamba tiri patiri ipapo uye hatizokwiri kwavari.
10 Asi kana vakati, ‘Uyai kuno kwatiri,’ tichakwira, nokuti ndicho chichava chiratidzo chedu chokuti Jehovha avaisa mumaoko edu.”
11 Saka vose vari vaviri vakazviratidza kuboka ravarwi ravaFiristia. VaFiristia vakati, “Tarirai! VaHebheru vari kukambaira vachibuda mumakomba avanga vakavanda.”