1 Zvino vaFiristia vakakoka varwi vavo kuti vazorwa hondo ndokubva vaungana paSoko muJudha. Vakadzika musasa paEfesi Dhamimi, pakati peSoko neAzeka.
2 Sauro navaIsraeri vakaungana uye vakadzika musasa mumupata weEra vakatara mutaro wokurwa pavaizosangana navaFiristia.
3 VaFiristia vakatora chimwe chikomo uye vaIsraeri vakatora chimwe, pakati pavo paine mupata.
4 Shasha yainzi Goriati yaibva kuGati, yakabuda pakati pomusasa wavaFiristia. Akanga akareba makubhiti matanhatua.
5 Akanga ane nguwani yendarira pamusoro wake uye akanga akafuka nguo dzokurwa dzamakwati endarira dzairema mashekeri zviuru zvishanub;