12 Saka Mikari akaburutsa Dhavhidhi napawindo, iye akatiza uye akapunyuka.
13 Ipapo Mikari akatora chidhori akachivanzarika pamubhedha, akachifukidza nejira akaisa mvere dzembudzi kumusoro wacho.
14 Sauro akati atuma vanhu kundobata Dhavhidhi, Mikari akati, “Ari kurwara.”
15 Ipapo Sauro akadzorera vanhu kwakare kuti vandoona Dhavhidhi akataura kwavari akati, “Uyai naye kuno kwandiri ari pamubhedha wake kuti ndigomuuraya.”
16 Asi varume vakati vapinda, vakaona kuti pakanga pane chidhori pamubhedha, uye pamusoro wacho paiva nemvere dzembudzi.
17 Sauro akati kuna Mikari, “Seiko wakandinyengera kudai uchiendesa muvengi wangu kure kuti apunyuke?” Mikari akamuudza akati, “Iye ati kwandiri, ‘Ndirege ndiende hangu. Ndichakuurayireiko iwe?’ ”
18 Dhavhidhi akati atiza uye apunyuka, akaenda kuna Samueri kuRama akamuudza zvose zvakanga zvaitwa kwaari naSauro. Ipapo iye naSamueri vakaenda kuNayoti vakandogarako.