1 Mugore ramakumi maviri namatatu raJoashi mwanakomana waAhazia mambo weJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu akava mambo weIsraeri muSamaria, uye akatonga kwamakore gumi namanomwe.
2 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha nokutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakanga aita kuti vaIsraeri vaite, uye haana kutendeuka kubva pazvivi.
3 Naizvozvo kutsamwa kwaJehovha kwakabvira somoto pamusoro peIsraeri, uye kwenguva yakareba akavaisa pasi poruoko rwaHazaeri mambo weAramu naBheni-hadhadhi mwanakomana wake.
4 Ipapo Jehoahazi akatsvaka nyasha dzaJehovha, Jehovha akamunzwa, nokuti akanga aona kuti mambo weAramu airwadzisa nokutambudza Israeri zvakanyanya sei.
5 Jehovha akamutsira Israeri mudzikinuri, uye vakapukunyuka kubva pasi poruoko rwavaAramu. Naizvozvo vaIsraeri vakagara mumisha yavo sezvavakanga vakaita kare.
6 Asi havana kutendeuka kubva pazvivi zveimba yaJerobhoamu, zvaakanga aita kuti Israeri iite, vakarambira mazviri. Uyezve danda raAshera rakaramba rimire muSamaria.
7 Hapana hondo yaJehoahazi yakasara kunze kwavarume vamabhiza makumi mashanu, nengoro gumi uye zviuru gumi zvavarwi vaifamba netsoka, nokuti mambo weAramu akanga aparadza vazhinji vavo akavaita seguruva renguva yokupura.