33 Akanga ava namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu. Zita ramai vake rainzi Jerusha, mwanasikana waZadhoki.
34 Akaita zvakarurama pamberi paJehovha, sezvakanga zvaitwa nababa vake Uzia.
35 Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa, vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro nokupisa zvinonhuwira ikoko. Jotamu akavakazve Suo Rokumusoro retemberi yaJehovha.
36 Zvino zvimwe zvakaitika pakutonga kwaJotamu, nezvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?
37 (Mumazuva iwayo Jehovha akatanga kutuma Rezini mambo weAramu naPeka mwanakomana waRemaria kundorwisa Judha.)
38 Jotamu akazorora namadzibaba ake uye akavigwa pamwe chete navo muGuta raDhavhidhi, guta rababa vake. Ahazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.