15 Boka ravaprofita vapaJeriko, avo vakanga vakatarisa, vakati, “Mweya waEria wagara pamusoro paErisha.” Uye vakaenda kundosangana naye vakakotamira pasi pamberi pake.
16 Vakati, “Tarirai, isu varanda venyu tine varume vesimba makumi mashanu. Ngavaende vandotsvaka tenzi wenyu. Zvimwe Mweya waJehovha wamusimudza ukandomugarisa pamusoro perimwe gomo kana mune mumwe mupata.” Erisha akavapindura akati, “Kwete, musavatuma.”
17 Asi vakaramba vachimugombedzera kusvikira anyara kwazvo kuti avarambidze. Saka akati, “Vatumei henyu.” Saka vakatuma varume makumi mashanu vakandomutsvaka kwamazuva matatu asi havana kumuwana.
18 Pavakadzokera kuna Erisha, kwaaigara muJeriko, akati kwavari, “Handina kukuudzai here kuti musaenda?”
19 Varume vomuguta vakati kuna Erisha, “Tarirai, tenzi wedu, guta iri riri pakanaka, asi sezvamunoona henyu, mvura yacho yakaipa uye nyika yacho haina zvibereko.”
20 Iye akati, “Ndivigirei ndiro itsva uye muise munyu mairi.” Naizvozvo vakamuvigira ndiro yacho.
21 Ipapo akaenda kuchitubu akakanda munyu imomo achiti, “Zvanzi naJehovha, ‘Ndanatsa mvura iyi. Haichazokonzeri rufuzve kana kushayisa nyika zvibereko.’ ”