11 Nebhuzaradhani mukuru wavarindi akaendesa kuutapwa vanhu vakanga vasara muguta, pamwe chete navamwe vanhu vose zvavo navaya vakanga vaenda kuna mambo weBhabhironi.
12 Asi mukuru wavarindi akasiya vanhu vakanga vari varombo vokupedzisira munyika kuti vashande muminda yemizambiringa nemimwe minda.
13 Vanhu veBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nengoro neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira vakaenda nayo kuBhabhironi.
14 Vakatorawo hari, nefoshoro, nezvidzimiso zvemwenje, nemadhishi uye nemidziyo yose yendarira yaishandiswa mutemberi.
15 Mukuru wehondo yavarindi vamambo akatora zvaenga zvezvinonhuwira namadhishi okusasa nawo, nezvose zvakanga zvakagadzirwa negoridhe rakaisvonaka kana sirivha.
16 Ndarira yakabva pambiru mbiri, Gungwa nengoro, zvakanga zvagadzirirwa temberi yaJehovha naSoromoni, zvakanga zvakawanda zvokuti zvaisagona kuyerwa.
17 Mbiru imwe neimwe yaiva yakareba makubhiti gumi namaserea. Musoro wendarira waiva pamusoro pembiru wakanga wakareba makubhiti matatub uye wakanga wakashongedzwa nomumbure uye namatamba endarira akanga akaupoteredza. Imwe mbiru nomumbure wayo yakanga yakadarowo.