2 Ngatiendei kuJorodhani, mumwe nomumwe wedu andotora danda ikoko; uye tigozvivakira ikoko nzvimbo yokugara.” Iye akati, “Endai.”
3 Ipapo mumwe wavo akati, “Ndapota, ko, imi hamungaendiwo navaranda venyu here?” Erisha akati, “Ndinoenda.”
4 Naizvozvo akaenda navo. Vakaenda kuJorodhani vakatanga kutema miti.
5 Asi mumwe akati achiri kutema muti, musoro wedemo wakasvotoka ukawira mumvura. Akadanidzira akati, “Haiwa, ishe wangu, rakanga rakweretwa!”
6 Munhu waMwari akati, “Rawira napapi?” Akati amuratidza nzvimbo yacho, Erisha akatema rutanda akarukandirapo, uye akapapamadza musoro wedemo.
7 Akati, “Ribudise.” Ipapo murume akatambanudza ruoko rwake akaritora.
8 Zvino mambo weAramu akanga achirwa neIsraeri. Mushure mokutaurirana navaranda vake, akati, “Ndichadzika musasa wangu panzvimbo yokuti neyokuti.”