1 Joashi akanga ane makore manomwe paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Mai vake vainzi Zibhiya uye vaibva kuBheerishebha.
2 Joashi akaita zvakanga zvakanaka pamberi paJehovha pamazuva ose aJohayadha muprista.
3 Jehoyadha akamusarudzira vakadzi vaviri uye akava navanakomana navanasikana.
4 Kwapera kanguva Joashi akafunga kuti avandudze temberi yaJehovha.
5 Akaunganidza vaprista navaRevhi akati kwavari, “Endai kumaguta eJudha mundotora mari inofanira kupiwa gore negore kubva kuIsraeri, yokugadziridza nayo temberi yaMwari wenyu. Zviitei iye zvino.” Asi vaRevhi havana kubva vazviita ipapo.
6 Naizvozvo mambo akadaidza Jehoyadha muprista mukuru akati kwaari, “Sei usina kutuma vaRevhi kuti vauyise kubva kuJudha neJerusarema mutero wakarayirwa naMozisi muranda waJehovha neungano yeIsraeri weTende reChipupuriro?”