7 Vakatanga kuita izvi mumwedzi wechitatu vakazopedza mumwedzi wechinomwe.
8 Hezekia namakurukota ake pavakauya vakaona matutu ezvinhu, vakarumbidza Jehovha uye vakaropafadza vanhu vake Israeri.
9 Hezekia akabvunza vaprista navaRevhi nezvamatutu aya.
10 Azaria muprista mukuru kubva kuimba yaZadhoki akapindura achiti, “Kubva zvakatanga vanhu kuuyisa zvipo zvavo kutemberi yaJehovha, takawana zvokudya zvakatiringana, nezvizhinji zvaisara, nokuti Jehovha akaropafadza vanhu vake, uye izvi zvizhinji ndizvo zvakasara.”
11 Hezekia akarayira kuti kugadzirwe matura okuchengetera zvinhu mutemberi yaJehovha, izvi zvikaitwa.
12 Ipapo vakauyisa zvipo zvavo vakatendeka, nezvegumi nezvipo zvakakumikidzwa. Konania muRevhi ndiye aiva mutariri wezvinhu izvi uye munun'una wake Shimei ndiye aimutevera.
13 Jehieri, Azazia, Nahati, Asaheri, Jerimoti, Jozabhadhi, Erieri, Isimakia, Mahati, naBhenaya vaiva vatariri vari pasi paKonania naShimei munun'una wake, sokupiwa basa kwavakaitwa naMambo Hezekia naAzaria muchinda aiona nezvetemberi yaMwari.