13 Akamukirawo Mambo Nebhukadhinezari akanga amuita kuti ape mhiko muzita raMwari. Akaomesa mutsipa akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendeukira kuna Jehovha, Mwari weIsraeri.
14 Uyezve vakuru vose vavaprista navanhu vakanyanya kutadza vachitevera zvinonyangadza zvose zvendudzi vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga akudza kwazvo muJerusarema.
15 Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akatuma shoko rake kubudikidza nenhume dzake nguva nenguva, nokuti akaitira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara.
16 Asi vakashora nhume dzaMwari, vakazvidza mashoko ake vakadadira vaprofita vake kusvikira hasha dzaMwari dzavamukira uye pasisina zvingagadziridzwa.
17 Akauyisa mambo wavaBhabhironi kuti azovarwisa uye akauraya majaya avo nomunondo munzvimbo tsvene, uye hapana waakasiya, jaya kana mhandara, varume vakuru kana vatana. Mwari akavapa vose kuna Nebhukadhinezari.
18 Akatakura midziyo yose yaiva mutemberi yaMwari akaenda nayo kuBhabhironi, zvose zvikuru nezvidiki nepfuma yomutemberi yaJehovha nepfuma yaMambo namachinda ake.
19 Vakapisa temberi yaMwari vakaputsa rusvingo rweJerusarema; vakapisa mizinda yose uye vakaparadza zvose zvaikosha imomo.