9 Jehoyakini akanga ava namakore gumi namasere paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwemwedzi mitatu namazuva gumi. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha.
10 Pakupera kwegore, Mambo Nebhukadhinezari akatuma shoko rokuti auyiswe kuBhabhironi pamwe chete nemidziyo inokosha kubva mutemberi yaJehovha, akaita munun'una waJehoyakini, Zedhekia, mambo pamusoro peJudha neJerusarema.
11 Zedhekia akanga ava namakore makumi maviri nerimwe paakava mambo uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi nerimwe.
12 Akaita zvakaipa pamberi paJehovha uye haana kuzvininipisa pamberi pomuprofita Jeremia, akataura shoko raJehovha.
13 Akamukirawo Mambo Nebhukadhinezari akanga amuita kuti ape mhiko muzita raMwari. Akaomesa mutsipa akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendeukira kuna Jehovha, Mwari weIsraeri.
14 Uyezve vakuru vose vavaprista navanhu vakanyanya kutadza vachitevera zvinonyangadza zvose zvendudzi vakasvibisa imba yaJehovha yaakanga akudza kwazvo muJerusarema.
15 Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, akatuma shoko rake kubudikidza nenhume dzake nguva nenguva, nokuti akaitira tsitsi vanhu vake nenzvimbo yake yokugara.