21 Zvino mambo Dhavhidhi akati anzwa zvose izvi, akatsamwa kwazvo.
22 Abhusaromu haana kana kumbotaura shoko kuna Amunoni, rakanaka kana rakaipa; akavenga Amunoni nokuti akanga akanyadzisa hanzvadzi yake Tamari.
23 Mushure mamakore maviri; vavevuri vamakwai aAbhusaromu pavakanga vari paBhaari Hazori pedyo nomuganhu weEfuremu, akakoka vanakomana vose vamambo kuti vauye ikoko.
24 Abhusaromu akaenda kuna mambo akandoti, “Muranda wenyu aita kuti vavevuri vauye. Ndapota, ko, mambo namakurukota ake haangauyi kuzova neni here?”
25 Mambo akapindura akati, “Kwete, mwanakomana wangu. Hatifaniri kuenda tose; tingazova mutoro kwauri.” Kunyange zvazvo akamugombedzera, akaramba kuenda, asi akamuropafadza.
26 Ipapo Abhusaromu akati, “Kana zvisingaiti, chitenderai henyu munun'una wangu Amunoni kuti aende nesu.” Mambo akamubvunza akati, “Ko, iye anoendereiko, nemi?”
27 Asi Abhusaromu akavanyengetedza, saka akazotendera Amunoni navanakomana vose vamambo kuti vaende navo.