1 Dhavhidhi akaimbira Jehovha mashoko orwiyo urwu paakarwirwa naJehovha kubva muruoko rwavavengi vake vose nomuruoko rwaSauro.
2 Akati:“Jehovha ndiye dombo rangu,nhare yangu uye mununuri wangu;
3 Mwari wangu ndiye dombo rangu, ndinovanda maari, nhoo yangu,norunyanga rworuponeso rwangu.Ndiye nhare yangu, utiziro hwangu nomuponesi wangu,munondiponesa pavanhu vanoita nechisimba.
4 Ndinodana kuna Jehovha,iye anofanira kurumbidzwa,uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
5 “Mafungu orufu akandikomba;mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.
6 Mabote eguva akandimonera;misungo yorufu yakandivinga.
7 Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;ndakadanidzira kuna Mwari wangu.Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.