4 Ndinodana kuna Jehovha,iye anofanira kurumbidzwa,uye ndinoponeswa kubva kuvavengi vangu.
5 “Mafungu orufu akandikomba;mvura zhinji yokuparadza yakandifukidza.
6 Mabote eguva akandimonera;misungo yorufu yakandivinga.
7 Mukutambudzika kwangu ndakadana kuna Jehovha;ndakadanidzira kuna Mwari wangu.Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake; kuchema kwangu kwakasvika munzeve dzake.
8 “Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka;dzakadedera nokuti akanga atsamwa.
9 Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake;moto unoparadza wakabuda mumuromo make,mazimbe anopisa akapfutamo.
10 Akakamura matenga akaburuka pasi;makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.