8 “Nyika yakadedera uye ikazungunuka, nheyo dzokudenga dzakadengenyeka;dzakadedera nokuti akanga atsamwa.
9 Utsi hwakakwira kubva mumhino dzake;moto unoparadza wakabuda mumuromo make,mazimbe anopisa akapfutamo.
10 Akakamura matenga akaburuka pasi;makore erima akanga ari pasi petsoka dzake.
11 Akatasva makerubhi akabhururuka;akabhururuka mudengadenga pamapapiro emhepo.
12 Akaita kuti rima rimupoteredze setende,iwo makore matema emvura yokudenga.
13 Kubva pakupenya kwouripo hwake mabhanan'ana emheni akapenya.
14 Jehovha akatinhira ari kudenga;inzwi roWokumusoro-soro rakanzwikazve.