6 Ndichamira ipapo pamberi pako padombo riri paHorebhi. Urove dombo, uye mvura ichabuda pariri, kuti vanhu vanwe.” Saka Mozisi akaita izvi pamberi pavakuru vavaIsraeri.
7 Uye akatumidza nzvimbo iyi kuti Masa neMeribha nokuti vaIsraeri vakakavadzana naye uye nokuti vakaedza Jehovha vachiti, “Ko, Jehovha ari pakati pedu here kana kuti kwete?”
8 VaAmareki vakuya vakarwa navaIsraeri paRefidhimu.
9 Mozisi akati kuna Joshua, “Sarudza vamwe varume vokwedu ugobuda kundorwa navaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndine tsvimbo yaMwari mumaoko angu.”
10 Saka Joshua akarwa navaAmareki sokurayirwa kwaakaitwa naMozisi, uye Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.
11 Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda.
12 Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwena.