8 VaAmareki vakuya vakarwa navaIsraeri paRefidhimu.
9 Mozisi akati kuna Joshua, “Sarudza vamwe varume vokwedu ugobuda kundorwa navaAmareki. Mangwana ndichandomira pamusoro pechikomo ndine tsvimbo yaMwari mumaoko angu.”
10 Saka Joshua akarwa navaAmareki sokurayirwa kwaakaitwa naMozisi, uye Mozisi, Aroni naHuri vakakwira pamusoro pechikomo.
11 Mozisi paainge akasimudza maoko ake, vaIsraeri vaikunda, asi paingoderedza maoko ake, vaAmareki vaikunda.
12 Maoko aMozisi akati aneta, vakatora dombo ndokuriisa pasi pake iye akagara pamusoro paro. Aroni naHuri vakabata maoko ake vakamutsigira, mumwe kuno rumwe rutivi, mumwe kuno rumwe rutivi, kuitira kuti maoko ake arambe akatsiga kusvikira madekwena.
13 Saka Joshua akakunda hondo yavaAmareki nomunondo.
14 Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Nyora izvi mubhuku chive chinhu chingarangarirwa uye uve nechokwadi kuti Joshua azvinzwa, nokuti ndichabvisa chirangaridzo chose cheAmareki pasi pedenga.”