1 Zvino Jeturo, muprista weMidhiani uye ari tezvara waMozisi, akanzwa zvinhu zvose zvakaitirwa Mozisi naMwari uye nokuvanhu vake ivo vaIsraeri, uye kuti Jehovha akanga abudisa vaIsraeri sei kubva muIjipiti.
2 Shure kwokunge Mozisi adzosera Zipora mukadzi wake, tezvara wake Jeturo akagamuchira Zipora
3 navanakomana vake vaviri. Mumwe mwanakomana akatumidzwa kunzi Gerishomi nokuti akati, “Ndava mutorwa munyika yavamwe;”
4 uye mumwe akatumidzwa kunzi Eriezeri, nokuti akati, “Mwari wababa vangu akanga ari mubatsiri wangu; akandiponesa kubva pamunondo waFaro.”
5 Jeturo, tezvara waMozisi, pamwe chete navanakomana vaMozisi nomukadzi wake, vakauya kwaari kurenje, kwaakanga akadzika musasa pedyo negomo raMwari.
6 Jeturo akanga atumira shoko kwaari achiti, “Ini, tezvara wako Jeturo, ndiri kuuya kwauri nomukadzi wako navanakomana vako vaviri.”
7 Saka Mozisi akabuda kundochingamidza tezvara wake uye akakotama pasi akamutsvoda. Vakakwazisana ndokubva vapinda mutende.