10 Uye Jehovha akati kuna Mozisi, “Enda kuvanhu undovanatsa nhasi namangwana. Uite kuti vashambidze nguo dzavo
11 uye vange vagadzirira nezuva rechitatu, nokuti nezuva iroro Jehovha achaburuka paGomo reSinai pamberi pavanhu vose.
12 Uisire vanhu miganhu yakapoteredza gomo ugovaudza kuti, ‘Chenjerai kuti murege kukwira mugomo kana kubata mujinga maro. Ani naani achabata gomo achaurayiwa, zvirokwazvo.
13 Zvirokwazvo achatakwa namabwe kana kubayiwa nemiseve; hakuna ruoko ruchamubata. Angava munhu kana chipfuwo, haangatenderwi kurarama.’ Vangakwira havo kugomo kana bedzi hwamanda yorunyanga rwegondohwe yaramba ichirira.”
14 Shure kwokuburuka kwaMozisi mugomo achienda kuvanhu, akavanatsa, uye ivo vakashambidza nguo dzavo.
15 Ipapo akati kuvanhu, “Zvigadzirirei nezvezuva rechitatu. Murege kurara navakadzi venyu.”
16 Panguva yamangwanani yezuva rechitatu pakava nokutinhira uye nemheni, negore gobvu rakafukidza gomo, uye kurira kukuru kwehwamanda. Munhu wose aiva mumisasa akadedera.