3 Ipapo Mozisi akakwira kuna Mwari, uye Jehovha akadana kwaari ari mugomo akati, “Izvi ndizvo zvaunofanira kutaura kuimba yaJakobho uye zvaunofanira kuudza vanhu veIsraeri:
4 ‘Iwe pachako wakaona zvandakaita kuIjipiti, uye kuti ndakakutakurai sei pamapapiro egondo ndikakusvitsai kwandiri.
5 Zvino kana muchinditeerera nomwoyo wose uye mukachengeta sungano yangu, ipapo muchava pfuma yangu chaiyo pakati pendudzi dzose. Kunyange hazvo nyika yose iri yangu,
6 muchava kwandiri umambo hwavaprista uye rudzi rutsvene.’ Aya ndiwo mashoko aunofanira kutaura kuvaIsraeri.”
7 Saka Mozisi akadzokera akadana vakuru vavanhu uye akaisa pamberi pavo mashoko ose aakanga arayirwa naJehovha kuti ataure.
8 Vanhu vose vakapindura pamwe chete vachiti, “Tichaita zvose zvakarehwa naJehovha.” Saka Mozisi akadzosera mhinduro yavo kuna Jehovha.
9 Jehovha akati kuna Mozisi, “Ndiri kuzouya kwauri ndiri mugore gobvu, kuitira kuti vanhu vagondinzwa ndichitaura newe uye vagoramba vachivimba newe.” Ipapo Mozisi akaudza Jehovha zvakanga zvarehwa navanhu.