31 “Utore gondohwe rokugadzwa ugobika nyama yaro munzvimbo tsvene.
32 Aroni navanakomana vake vanofanira kudya nyama yegondohwe uye nechingwa chiri mudengu vari pamukova wokupinda paTende Rokusangana.
33 Vanofanira kudya zvipiriso izvi zvavakaitirwa yananiso yokugadzwa kwavo uye nokunatswa kwavo nazvo. Asi hakuna mumwe munhu anofanira kuzvidya nokuti zvitsvene.
34 Uye kana pakava nenyama yegondohwe rokungadzwa inosara kana chingwa chipi zvacho chinosara kusvikira mangwana mangwanani muzvipise. Hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.
35 “Uitire Aroni navanakomana vake zvinhu zvose zvandakakurayira, uchitora mazuva manomwe okuvagadza.
36 Ubayire hando zuva rimwe nerimwe sechipiriso chechivi chive chokuyananisa. Unatse aritari nokuiitira yananiso, uye ugoizodza kuti uiite tsvene.
37 Mazuva manomwe uyananisire aritari uye uinatse. Ipapo aritari ichava tsvene-tsvene, uye chose chichaigunzva chichava chitsvene.