21 Mauto ake anotiza achaurayiwa nomunondo, uye vakasara vavo vachaparadzirwa kunobva mhepo dzose. Ipapo uchaziva kuti ndini Jehovha ndazvitaura.
22 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ini iyeni ndichatora bukira rinobva pamusoro chaipo pomusidhari ndigorisima; ndichavhuna davi nyoro kubva pabukira rapamusoro-soro ndigorisima pamusoro pegomo refu rakakwirira.
23 Pamusoro-soro pamakomo eIsraeri ndipo pandicharisima; richibudisa matavi ndokubereka muchero ugova musidhari unoyevedza. Shiri dzemhando dzose dzicharukira matendere adzo pauri; dzichawana ugaro pamumvuri wamatavi awo.
24 Miti yose yomusango ichaziva kuti ini Jehovha ndinodzikisa miti yakareba nokuita kuti miti mipfupi irebe. Ndinoomesa muti munyoro uye nokukurisa muti wakaoma. “ ‘Ini Jehovha ndazvitaura, uye ndichazviita.’ ”