29 Ipapo ndakati kwavari: Ko, nzvimbo iyi yakakwirira yamunoenda kwairi ndeyei?’ ” (Zita rayo inonzi Bhama kusvikira zuva ranhasi.)
30 “Naizvozvo uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Muchazvisvibisa sezvakaita madzibaba enyu here nokuchiva zvifananidzo zvavo zvinonyangadza?
31 Pamunopa zvipo zvenyu, zvibayiro zvavanakomana venyu mumoto, munoramba muchizvisvibisa nezvifananidzo zvenyu kusvikira nhasi. Ini ndingatenda kubvunzwa nemi here imi imba yaIsraeri? Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, handizombokutenderei kuti mundibvunze.
32 “ ‘Imi munoti, “Tinoda kufanana nendudzi, savanhu vedzimwe nyika, vanoshumira matanda namatombo.” Asi zviri mundangariro dzenyu hazvimboitiki.
33 Zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, ndichakutonga nechanza chine simba, noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.
34 Ndichakudzosai kubva kundudzi ndigokuunganidzai kubva kunyika dzamakanga makaparadzirwa kwadziri, nechanza chine simba uye noruoko rwakatambanudzwa uye nehasha dzakadururwa.
35 Ndichakuyisai kurenje rendudzi ndigokutongai ikoko takatarisana chiso nechiso.