1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “Mwanakomana womunhu, kwakanga kuna vakadzi vaviri, vanasikana vamai vamwe chete.
3 Ivo vakava zvifeve muIjipiti, vakaita ufeve vachiri vadiki. Munyika imomo, mazamu oumhandara hwavo akabatwa-batwa uye zvipfuva zvavo zvakabatwa-batwa.
4 Zita romukoma rakanga richinzi Ohora, uye munun'una wake ainzi Ohoribha. Ivo vakanga vari vangu uye vakabereka vanakomana navanasikana. Ohora ndiye Samaria uye Ohoribha ndiye Jerusarema.