1 Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
2 “Mwanakomana womunhu, taura kuvanhu venyika yako uti kwavari: kana ndikauyisa munondo pamusoro penyika, uye vanhu venyika iyo vakasarudza mumwe wavo vakamuita nharirire yavo,
3 uye iye akaona munondo uchiuya kuzorwa nenyika uye akaridza hwamanda kuti anyevere vanhu,
4 ipapo ani naani kana akanzwa hwamanda asi akasava nehanya nenyevero uye munondo ukasvika ukamuuraya, ropa rake richava pamusoro wake.