9 Makamuri apasi akanga ano mukova kurutivi rwokumabvazuva kana munhu achipinda kwaari achibva nechokuruvazhe rwokunze.
10 Parutivi rwezasi zvichitevedzana nokureba kworusvingo rworuvazhe rwokunze, pedyo noruvazhe rwetemberi uye kwakatarisana norusvingo rwokunze, pakanga pana makamuri
11 nenzvimbo yokufamba nayo nechemberi kwawo. Aya akanga akafanana namakamuri okumusoro; akanga akaenzana pakureba noupamhi, akanga akafanana pokubuda napo uye nokuyerwa kwawo. Sezvakanga zvakaita makonhi okumusoro
12 ndizvo zvakanga zvakaita mikova yamakamuri ezasi. Pakanga pane mukova paitangira nzvimbo yokufamba nayo pakanga pakangoenzana namadziro akanangana nawo zvichipfuurira zvakananga kumabvazuva, kana munhu achipinda mumakamuri.
13 Ipapo akati kwandiri, “Makamuri okumusoro neezasi iwo akatarisana noruvazhe rwetemberi ndeevaprista, ndipo panodyirwa zvipiriso zvitsvenetsvene navaprista vanoswedera pana Jehovha. Vachaisa ipapo zvipiriso zvitsvene-tsvene, zvipiriso zvezviyo, zvechivi, uye zvemhosva, nokuti nzvimbo yacho itsvene.
14 Kana vaprista vakangopinda panzvimbo tsvene, havachafaniri kubudira kuruvazhe rwokunze kusvikira vasiya nguo dzavanga vachishandisa pakushumira, nokuti idzo itsvene. Vanofanira kupfeka dzimwe nguo vasati vasvika pedyo nenzvimbo dzavanhu.”
15 Akati apedza kuyera zvakanga zviri mukati metemberi, akandibudisa kunze nechokusuo rokumabvazuva ndokubva ayera nzvimbo yacho yose.