1 “ ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Suo roruvazhe rwomukati rakatarisa kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo basa, asi pazuva reSabata uye pazuva roKugara kwoMwedzi rinofanira kuzariwa.
2 Muchinda anobva kunze anofanira kupinda napabiravira rapasuo agomira pambiru dzapasuo. Vaprista vanofanira kubayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chake chokuwadzana. Anofanira kunamata ari pachikumbaridzo chepasuo ipapo agobuda kunze, asi harifaniri kuzopfigwa kusvikira madekwana.
3 Vanhu venyika vanofanira kunamata pamberi paJehovha vari pamukova wesuo pamaSabata napaKugara kwoMwedzi.
4 Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata, chinofanira kuva chamakwayana matanhatu makono negondohwe, ose asina kuremara.
5 Chipiriso chezviyo chinopiwa pamwe chete negondohwe chinofanira kuita efaa imwe chete, uye chipiriso chezviyo nemakwayana chinofanira kuva sezvaanoda, pamwe chete nehinib yamafuta paefa imwe neimwe.
6 Pazuva roKugara kwoMwedzi anofanira kupa hando duku, makwayana matanhatu negondohwe, zvose zvisina kuremara.