3 Vanhu venyika vanofanira kunamata pamberi paJehovha vari pamukova wesuo pamaSabata napaKugara kwoMwedzi.
4 Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata, chinofanira kuva chamakwayana matanhatu makono negondohwe, ose asina kuremara.
5 Chipiriso chezviyo chinopiwa pamwe chete negondohwe chinofanira kuita efaa imwe chete, uye chipiriso chezviyo nemakwayana chinofanira kuva sezvaanoda, pamwe chete nehinib yamafuta paefa imwe neimwe.
6 Pazuva roKugara kwoMwedzi anofanira kupa hando duku, makwayana matanhatu negondohwe, zvose zvisina kuremara.
7 Iye anofanira kupa sechipiriso chezviyo efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondohwe, uye namakwayana paanoda kupa napo, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
8 Panopinda muchinda, anofanira kupinda napabiravira rapanzira yesuo, uye anofanira kubuda nenzira imwe cheteyo.
9 “ ‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira.