22 Saka nzvimbo yavaRevhi nenzvimbo yeguta zvichange zviri pakati penzvimbo yomuchinda. Nzvimbo yomuchinda ichange iri pakati pomuganhu weJudha nomuganhu waBhenjamini.
23 “Kana ari mamwe marudzi asara: Bhenjamini achava nomugove mumwe chete: Uchabva kurutivi rwokumabvazuva uchindosvika kurutivi rwokumavirira.
24 “Simeoni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaBhenjamini kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
25 “Isakari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaSimeoni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
26 “Zebhuruni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaIsakari kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
27 “Gadhi achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaZebhuruni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
28 “Muganhu worutivi rwezasi waGadhi uchananga kurutivi rwezasi uchibva kuTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribha Kadheshi, ipapo wozotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru.