24 “Simeoni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaBhenjamini kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
25 “Isakari achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaSimeoni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
26 “Zebhuruni achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaIsakari kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
27 “Gadhi achava nomugove mumwe chete; uchaganhurana nenyika yaZebhuruni kubva kumabvazuva kusvika kumavirira.
28 “Muganhu worutivi rwezasi waGadhi uchananga kurutivi rwezasi uchibva kuTamari kusvikira kumvura zhinji yeMeribha Kadheshi, ipapo wozotevedza Rukova rweIjipiti kusvikira kuGungwa Guru.
29 “Iyi ndiyo nyika yaunofanira kugovera senhaka kumarudzi aIsraeri, uye iyi ndiyo ichava migove yavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
30 “Aya achava masuo okubuda nawo eguta: Kutangira kurutivi rwokumusoro, kureba kwacho kuna makubhiti zviuru zvina zvina mazana mashanu,